Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 2:16-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunyengera, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.

17. Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti:

18. “Inzwi rakanzwikwa muRamarokuchema nokuungudza kukuru,Rakeri achichema vana vake,uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.”

19. Mushure mokufa kwaHerodhi, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa muIjipiti mukurota

20. akati, “Tora mwana namai vake mudzokere kunyika yeIsraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.”

21. Saka akasimuka akatora mwana namai vake akaenda kunyika yeIsraeri.

22. Asi paakanzwa kuti Arikerao akanga otonga muJudhea panzvimbo yababa vake Herodhi, akatya kuendako. Akati ayambirwa mukurota, akabva aenda kudunhu reGarirea,

23. uye akaenda akandogara muguta rainzi Nazareta. Izvi zvakabva zvazadzisa zvakarehwa kubudikidza navaprofita zvichinzi, “Achanzi muNazareta.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 2