Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 2:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Vakati vasvika pamba apa, vakaona mwana namai vake Maria, uye vakakotamira pasi vakamunamata. Vakasunungura pfuma yavo vakapa zvipo zvegoridhe, nezvinonhuwira nemura.

12. Uye vakati vayambirwa mukurota kuti vasadzokera nokuna Herodhi, vakadzokera kwavo neimwe nzira.

13. Zvino kuzoti vaenda, mutumwa waShe akazviratidza kuna Josefa mukurota, akati, “Kurumidza kutora mwana namai vake mutizire kuIjipiti. Mugareko kusvikira ndakuudzai, nokuti Herodhi achatsvaka mwana uyu kuti amuuraye.”

14. Saka akabva amuka ndokutora mwana namai vake usiku akatizira kuIjipiti,

15. kwaakandogara kusvikira Herodhi afa. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa naShe kubudikidza nomuprofita achiti, “Ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”

16. Kuzoti Herodhi aziva kuti vachenjeri vaya vainge vamunyengera, akashatirwa kwazvo, ndokubva arayira kuti vana vechikomana vose vaiva muBheterehema nomunzvimbo yakapoteredza vaiva namakore maviri zvichidzika vaurayiwe, maererano nenguva yaakanga audzwa naVachenjeri.

17. Ipapo zvakarehwa kubudikidza nomuprofita Jeremia zvakazadziswa, zvinoti:

18. “Inzwi rakanzwikwa muRamarokuchema nokuungudza kukuru,Rakeri achichema vana vake,uye achiramba kunyaradzwa nokuti havachipo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mateo 2