Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 7:21-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Nokuti kubva mukati, kubva mumwoyo yavanhu ndimo munobuda mirangariro yakaipa, upombwe, kuba, kuuraya, ufeve,

22. ruchiva, nouipi, kunyengera, utere, godo, kureva, manyawi noupenzi.

23. Zvakaipa izvozvi zvose zvinobuda kubva mukati uye ‘zvinosvibisa munhu.’ ”

24. Jesu akabva panzvimbo iyo akaenda pedyo neTire. Akapinda mumba akasada kuzivikanwa nomunhu; asi akanga asingagoni kuzvivanza.

25. Zvakaitika ndezvokuti, paakangonzwa nezvake, mukadzi aiva nomwanasikana akanga akabatwa nomweya wetsvina akauya akawira patsoka dzake.

26. Mukadzi uyu aiva muGiriki, akaberekerwa muFonishia yomuSiria. Akakumbirisa Jesu kuti adzinge dhimoni mumwanasikana wake.

27. Jesu akati kwaari, “Vana vanofanira kutanga kudya zvavanoda, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana uchichikandira kumbwa dzavo.”

28. Iye akapindura akati, “Hongu Ishe, asi kunyange imbwa dziri pasi petafura dzinodya zvimedu zvezvokudya zvavana wani.”

29. Ipapo akati kwaari, “Nokuda kwemhinduro yakadai, enda hako; dhimoni rabva pamwanasikana wako.”

30. Akadzokera kumba kwake akawana mwana wake avete pamubhedha, uye dhimoni raenda.

31. Ipapo Jesu akabva kunzvimbo yeTire akaenda nokuSidhoni, akaburukira kuGungwa reGarirea uye nokudunhu reDhekapori.

32. Ikoko vamwe vanhu vakauya kwaari nomurume akanga ari matsi uye asingagoni kutaura zvakawanda, uye vakamukumbira kwazvo kuti aise ruoko rwake pamusoro pomurume uyu.

33. Akati aenda naye parutivi, kure noruzhinji, Jesu akaisa minwe yake munzeve dzake. Ipapo akapfira mate akabata rurimi rwomurume uya.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 7