Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 6:32-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

32. Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara.

33. Asi vazhinji vakavaona vachibva vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.

34. Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.

35. Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka.

36. Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.”

37. Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.”Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?”

38. Akati, “Mune zvingwa zvinganiko? Endai mundotarisa.”Vakati vazviona, vakati, “Zvishanu, uye nehove mbiri.”

39. Ipapo Jesu akavarayira kuti vagarise vanhu vose pasi mumapoka pauswa hunyoro.

40. Saka vakagara pasi mumapoka ane zana uye ane makumi mashanu.

41. Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 6