Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 6:29-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Vadzidzi vaJohani vakati vanzwa izvi vakauya vakatora mutumbi wake vakauviga mubwiro.

30. Vapostori vakaungana pana Jesu uye vakamuudza zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa.

31. Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.”

32. Saka vakaenda voga mugwa kunzvimbo yakanyarara.

33. Asi vazhinji vakavaona vachibva vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.

34. Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.

35. Zvino zuva rava kuvira, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Nzvimbo ino irenje, uye kwava kudoka.

36. Itai kuti vanhu vaende kumaruwa nemisha yakapoteredza kuti vandozvitengera zvokudya.”

37. Asi iye akapindura akati, “Imi vapei zvokudya.”Vakati kwaari, “Izvo zvinotoda muripo womunhu wemwedzi misere! Ko, tingashandisa mari yakawanda kudaro kutenga chingwa kuti tigovapa kuti vadye here?”

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 6