Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 15:34-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

34. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”

35. Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.”

36. Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akaisa parutanda, akaipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Muregei zvino. Regai tione kana Eria achiuya kuti azomuburutsa.”

37. Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

38. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi.

39. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye akaona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari!”

40. Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, munun'una waJosesi, naSarome.

41. Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo.

42. Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira,

43. Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu.

44. Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa.

45. Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa.

46. Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauyisa muguva rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva.

47. Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mako 15