Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mako 15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jesu pamberi paPirato

1. Mangwanani-ngwanani, vaprista vakuru navakuru, vadzidzisi vomurayiro uye neDare Guru rose, vakapa mutongo. Vakasunga Jesu, vakaenda naye vakandomuisa mumaoko aPirato.

2. Pirato akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo sokutaura kwamaita.”

3. Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji kwazvo.

4. Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”

5. Asi Jesu haana kupindura, uye Pirato akashamiswa nazvo.

6. Zvino yakanga iri tsika yapaMutambo kuti asunungure musungwa anenge akumbirwa navanhu.

7. Murume ainzi Bharabhasi akanga ari mutorongo pamwe chete navamwe vakanga vamutsa bope vakauraya munhu.

8. Vanhu vazhinji vakauya vakakumbira Pirato kuti avaitire zvaaisiita.

9. Pirato akabvunza akati, “Munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?”

10. achiziva kuti zvaingova zvegodo ravaprista vakuru kuti vakaisa Jesu mumaoko ake.

11. Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu.

12. Pirato akabvunza akati, “Ndichaiteiko, zvino, nouyo wamunoti mambo wavaJudha?”

13. Vakadanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”

14. Pirato akavabvunza akati, “Nemhaka yeiko? Akapara mhosva yeiko?”Asi vakanyanya kudanidzira vachiti, “Murovererei pamuchinjikwa!”

15. Achida kufadza vanhu, Pirato akasunungura Bharabhasi. Akaita kuti Jesu arohwe, uye akamuendesa kuti andorovererwa.

Varwi Vanodadira Jesu

16. Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda wainzi Piritoriamu uye vakaunganidza pamwe chete ungano yose yavarwi.

17. Vakamupfekedza nguo dzepepuru, ipapo vakamurukira ngundu yeminzwa vakaigadzika pamusoro wake.

18. Uye vakatanga kudanidzira kwaari vachiti, “Kwaziwaika, mambo wavaJudha!”

19. Vakaramba vachingomurova mumusoro netsvimbo uye vachimupfira mate. Vachipfugama namabvi avo, vakaita savanomunamata.

20. Uye vakati vamudadira, vakabvisa nguo yepepuru vakamupfekedza dzake. Ipapo vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.

Kurovererwa

21. Mumwe murume aibva kuKurini, Simoni baba vaArekizanda naRufasi, akanga achipfuura achibva kumaruwa, vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa.

22. Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorokota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya).

23. Ipapo vakamupa waini yakavhenganiswa nemura, asi haana kuinwa.

24. Uye vakamuroverera pamuchinjikwa. Vakagovana nguo dzake, vakakanda mijenya kuti vaone kuti mumwe nomumwe angawanei.

25. Yakanga iri nguva yechitatu pavakamuroverera.

26. Zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake zvaiti: MAMBO WAVAJUDHA.

27. Vakamuroverera pamwe chete namakororo maviri, mumwe kurudyi uye mumwe kuruboshwe.

28. Uye rugwaro rwakazadziswa runoti, “Akaverengwa pamwe chete navadariki.”

29. Vaya vakanga vachipfuura vaimutuka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Saka! Iwe uri kuzoputsa temberi nokuivaka mumazuva matatu,

30. chiburuka pamuchinjikwa uzviponese!”

31. Nenzira imwe cheteyo vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakamuseka pakati pavo, vakati, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa!

32. Kristu uyu, Mambo wavaIsraeri uyu, ngaaburuke iye zvino pamuchinjikwa, kuti tione tigotenda.” Navaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamutukawo.

Kufa kwaJesu

33. Nenguva yechitanhatu rima rakauya pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.

34. Uye panguva yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”

35. Vaya vakanga vamire pedyo vakati vanzwa izvi, vakati, “Inzwai, ari kudana Eria.”

36. Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akaisa parutanda, akaipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Muregei zvino. Regai tione kana Eria achiuya kuti azomuburutsa.”

37. Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.

38. Chidzitiro chapatemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvikira pasi.

39. Uye mukuru wezana, akanga amirepo, pamberi paJesu, akati anzwa kudanidzira kwake uye akaona mafiro aakaita, akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga ari Mwanakomana waMwari!”

40. Vamwe vakadzi vakanga vachitarira vari kure. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho, munun'una waJosesi, naSarome.

41. Vakadzi ava vomuGarirea ndivo vaimutevera uye vachimushandira. Vakadzi vazhinji vakanga vauya naye kuJerusarema vakanga varipowo.

Kuvigwa kwaJesu

42. Rakanga riri Zuva roKugadzirira (ndiro rinotangira Sabata.) Saka kwovira,

43. Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu.

44. Pirato akashamiswa kunzwa kuti akanga atofa. Akatuma mukuru wezana, akamubvunza kana Jesu akanga afa.

45. Akati anzwa kubva kumukuru wezana kuti zvakanga zviri izvo, akapa mutumbi kuna Josefa.

46. Saka akauya nemimwe micheka, akaburutsa mutumbi, akauputira nomucheka, akauyisa muguva rakacherwa paruware. Ipapo akakungurutsira ibwe pamuromo weguva.

47. Maria Magadharena naMaria mai vaJosesi vakaona paakavigwa.