Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 16:28-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”

29. Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje utungidzwe, akapinda achimhanya akawira pamberi paPauro naSirasi achidedera.

30. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”

31. Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

32. Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.

33. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.

34. Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, uye nemhuri yake.

35. Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”

36. Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”

37. Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”

38. Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mabasa Avapostori 16