Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mabasa Avapostori 16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Timoti anobatana naPauro naSirasi

1. Akasvika kuDhebhe uyezve nokuRistira, kwaigara mudzidzi ainzi Timoti, mai vake vakanga vari muJudha uye vaiva mutendi, asi baba vake vakanga vari muGiriki.

2. Hama dzapaRistira neIkoniamu dzakanga dzichimupupurira zvakanaka.

3. Pauro akada kumutora kuti aende naye parwendo, saka akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaigara munzvimbo iyoyo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.

4. Pavakafamba muguta neguta, vakasvitsa mashoko akanga ataurwa navapostori navakuru vomuJerusarema kuti vanhu vaateerere.

5. Nokudaro makereke akasimbiswa mukutenda uye vakawedzerwa zuva rimwe nerimwe pauwandu.

Chiratidzo chaPauro choMurume weMasedhonia

6. Pauro navaiva naye vakafamba nomumatunhu eFirigia neGaratia, vamborambidzwa naMweya Mutsvene kuparidza shoko mudunhu reEzhia.

7. Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.

8. Saka vakapfuura napaMisia vakadzika kuTroasi.

9. Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.”

10. Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri.

Kutendeuka kwaRidhia paFiripi

11. Tichibva paTrioasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi.

12. Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo.

13. Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengetera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo.

14. Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro.

15. Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Uye akatikumbirisa tikatenda.

Pauro naSirasi mutorongo

16. Nerimwe zuva patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengetera, takasangana nomusikana akanga ari nhapwa akanga ane mweya wokuvuka. Iye aiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.

17. Musikana uyu aitevera Pauro nesu, achidanidzira achiti, “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro, vari kukuudzai nzira yoruponeso.”

18. Akaramba achiita izvi kwamazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akashushikana zvikuru zvokuti akatendeuka akati kumweya uyu, “Muzita raJesu Kristu ndinokurayira kuti ubude maari!” Nenguva yakare iyoyo mweya wakabva maari.

19. Vatenzi vomusikana akanga ari nhapwa vakaona kuti tariro yavo yokuita mari yakanga yapera, vakabata Pauro naSirasi vakavazvuzvurudzira pachivara pamberi pavo.

20. Vakavamisa pamberi pavatongi vakati, “Varume ava vaJudha, uye vamutsa bopoto muguta redu

21. vachidzidzisa tsika dzisingabvumirwi nesu vaRoma kuti tidzigamuchire kana kudziita.”

22. Ungano yakabatana pakurwisa Pauro naSirasi, uye vatongi vakarayira kuti nguo dzavo dzibvarurwe uye kuti varohwe.

23. Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo.

24. Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda.

25. Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

26. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka.

27. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake uye akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka.

28. Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!”

29. Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje utungidzwe, akapinda achimhanya akawira pamberi paPauro naSirasi achidedera.

30. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?”

31. Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

32. Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba.

33. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake.

34. Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, uye nemhuri yake.

35. Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”

36. Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.”

37. Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”

38. Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo.

39. Vakauya kuzovanyengetedza uye vakavabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta.

40. Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.