Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 6:46-62 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.

47. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.

48. Ndini chingwa choupenyu.

49. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.

50. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.

51. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”

52. Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”

53. Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.

54. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari.

55. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho.

56. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.

57. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichararama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.

58. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”

59. Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.

60. Pavakanzwa izvi, vadzidzi vake vazhinji vakati, “Kudzidzisa uku kwakaoma. Ndianiko angakugamuchira?”

61. Aiziva zvake kuti vadzidzi vake vakanga vachigunun'una pamusoro paizvozvi, Jesu akati kwavari, “Izvi zvinokugumburai here?

62. Muchaita sei kana mukaona Mwanakomana woMunhu achikwira achienda kwaaimbova kare!

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 6