Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 6:41-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Ipapo, vaJudha vakatanga kugunun'una pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.”

42. Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?”

43. Jesu akapindura akati, “Regai kugunun'una pakati penyu.

44. Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.

45. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.

46. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.

47. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.

48. Ndini chingwa choupenyu.

49. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.

50. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.

51. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”

52. Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 6