Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 6:38-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. Nokuti ndakaburuka kudenga kuti ndirege kuzoita kuda kwangu asi kuda kwaiye akandituma.

39. Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira.

40. Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko kuti ani naani anotarira kuMwanakomana anokutenda maari achava noupenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.”

41. Ipapo, vaJudha vakatanga kugunun'una pamusoro pake nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.”

42. Vakati, “Ko, uyu haasi Jesu, mwanakomana waJosefa here, watinoziva baba vake namai vake? Zvino anotaura sei achiti, ‘Ndakaburuka kubva kudenga’?”

43. Jesu akapindura akati, “Regai kugunun'una pakati penyu.

44. Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.

45. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.

46. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.

47. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.

48. Ndini chingwa choupenyu.

49. Madzitateguru enyu akadya mana mugwenga, asi vakafa.

50. Asi hechino chingwa chinobva kudenga, chinoti kana munhu akadya haangafi.

51. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”

52. Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?”

53. Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.

54. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari.

55. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho.

56. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari.

57. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichararama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 6