Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 5:26-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari.

27. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.

28. “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya apo vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake

29. uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa.

30. Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.

31. “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo.

32. Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi.

33. “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi.

34. Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe.

35. Johani akanga ari mwenje unopfuta nokuvhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake.

36. “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma.

37. Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo,

38. uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 5