Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 21:11-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Simoni Petro akakwira mugwa akakwevera mambure kumahombe kombe. Akanga azere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu, asi kunyange zvazvo dzakanga dzakawanda, mambure haana kubvaruka.

12. Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe.

13. Jesu akauya, akatora chingwa akavapa, akaita saizvozvo nehovewo.

14. Uku kwakava kuzviratidza kwaJesu kuvadzidzi vake kwechitatu shure kwokumuka kwake kuvakafa.

15. Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?”Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.”Jesu akati, “Fudza makwayana angu.”

16. Jesu akatizve, “Simoni, mwanakomana waJohani unondida zvechokwadi here?”Akapindura akati, “Hongu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai.”Jesu akati, “Chengeta makwai angu.”

17. Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?”Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?”Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.”Jesu akati, “Fudza makwai angu.

18. Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.”

19. Jesu akataura izvi achiratidza mafiro aizoita Petro achikudza Mwari. Ipapo akati kwaari, “Nditevere!”

20. Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”)

21. Petro akati achimuona, akabvunza akati, “Ishe, ko, uyuwo?”

22. Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.”

23. Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?”

24. Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye akazvinyora. Tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.

25. Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 21