Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 18:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake ndokuyambuka Mupata weKidhironi. Parutivi rwenzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo.

2. Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake.

3. Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo.

4. Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Ndianiko wamunoda?”

5. Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.”Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.)

6. Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.

7. Akapamhazve kuvabvunza akati, “Ndianiko wamunoda?”Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.”

8. Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.”

9. Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.”

10. Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.)

11. Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?”

12. Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga.

13. Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro.

14. Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu.

15. Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru,

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 18