Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 16:4-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.

5. “Zvino ndava kuenda kuno akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’

6. Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.

7. Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

8. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:

9. pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;

10. pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;

11. uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.

12. “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.

13. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

14. Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.

15. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.

16. “Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.”

17. Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 16