Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 16:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari.

3. Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini.

4. Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.

5. “Zvino ndava kuenda kuno akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’

6. Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.

7. Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

8. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:

9. pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;

10. pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;

11. uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.

12. “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.

13. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

Verenga chitsauko zvakakwana Johani 16