Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jakobho 1:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Pamunenge muchiedzwa, kurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;

14. asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge, achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.

15. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa, kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu.

16. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.

17. Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.

18. Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.

19. Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,

20. nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.

21. Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai.

Verenga chitsauko zvakakwana Jakobho 1