Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vatesaronika 5:8-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani.

9. Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

10. Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye.

11. Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

12. Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai.

13. Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu.

14. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.

15. Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.

16. Farai nguva dzose;

17. rambai muchinyengetera;

18. vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

19. Musadzima moto woMweya;

20. musazvidza zviprofita.

21. Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka.

22. Regai zvakaipa zvose.

23. Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu.

24. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vatesaronika 5