Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Vakorinde 4:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa?

8. Matova nezvose zvamunoda kare! Makatopfumiswa kare! Mava madzimambo, uye isu tisipo! Ndinoshuva sei kuti dai makava madzimambo kuitira kuti tigova madzimambo pamwe chete nemi!

9. Nokuti ini ndinoona kuti Mwari akatigadza kuti tive vapostori vanoonekwa pakupedzisira, savanhu vakatongerwa rufu. Takaitwa chiseko kunyika yose, kuvatumwa uyewo nokuvanhu.

10. Tiri mapenzi nokuda kwaKristu, asi imi makachenjera kwazvo muna Kristu! Isu tinoshayiwa simba, asi imi mune simba! Munokudzwa, isu tinozvidzwa!

11. Kusvikira panguva ino isu tine nzara, uye tine nyota, takapfeka mamvemve, tinorohwa zvakaoma kwazvo, hatina pokugara.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Vakorinde 4