Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 5:2-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake.

3. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,

4. nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.

5. Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.

6. Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi.

7. Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti:

8. Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.

9. Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake.

10. Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari anouchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake.

11. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake.

12. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.

13. Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.

14. Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.

15. Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 5