Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 4:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika.

2. Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari,

3. asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.

4. Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.

5. Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa.

6. Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.

7. Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.

8. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.

9. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye.

10. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu.

11. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.

12. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri.

13. Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.

14. Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika.

15. Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari.

16. Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo.Ani naani asingadi anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 4