Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 2:8-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.

9. Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima.

10. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa.

11. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.

12. Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.

13. Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba.

14. Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti mune simba,shoko raMwari rinogara mamuri,uye makakunda iye akaipa.

15. Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.

16. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza nokuda kwezvaanazvo munhu nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.

17. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.

18. Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.

19. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.

20. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.

21. Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi.

22. Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 2