Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama.

2. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.

3. Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake.

4. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari.

5. Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari:

6. Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.

7. Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa.

8. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.

9. Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima.

10. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa.

11. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.

12. Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.

13. Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba.

14. Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti mune simba,shoko raMwari rinogara mamuri,uye makakunda iye akaipa.

Musada Nyika

15. Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.

16. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza nokuda kwezvaanazvo munhu nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.

17. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.

Yambiro pamusoro paVanaandikristu

18. Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.

19. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.

20. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.

21. Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi.

22. Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.

23. Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.

24. Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara mumwanakomana nomuna Baba.

25. Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi.

26. Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai.

27. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.

Vana vaMwari

28. Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.

29. Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.