Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Johani 2:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa.

8. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.

9. Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima.

10. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa.

11. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.

12. Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.

13. Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba.

14. Ndinokunyorerai, madzibaba,nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga.Ndinokunyorerai, imi majaya,nokuti mune simba,shoko raMwari rinogara mamuri,uye makakunda iye akaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Johani 2