Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 8:18-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama.

19. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.

20. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,

21. ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.

22. “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare;

23. ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo.

24. Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;

25. makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 8