Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kudana kwoUchenjeri

1. Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?

2. Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;

3. parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti,

4. “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.

5. Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa.

6. Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.

7. Muromo wangu unotaura zvokwadi, nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa.

8. Mashoko ose omuromo wangu akarurama; hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa.

9. Kune ane njere ose zvawo akarurama, akarurama kuna avo vane zivo.

10. Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha, ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka,

11. nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi, uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo.

12. “Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere.

13. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.

14. Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba.

15. Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama;

16. machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika.

17. Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.

18. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama.

19. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.

20. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,

21. ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.

22. “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare;

23. ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo.

24. Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;

25. makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,

26. asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.

27. Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,

28. paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa,

29. paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika.

30. Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,

31. ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu.

32. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.

33. Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakuzvidza.

34. Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu.

35. Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

36. Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”