Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 6:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?

10. Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.

11. Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.

12. Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,

13. anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,

14. anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.

15. Naizvozvo njodzi ichamuwira nokuku-rumidza; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.

16. Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:

17. meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,

18. mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,

19. chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.

20. Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

21. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.

22. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.

23. Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 6