Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Yambiro pamusoro poUpenzi

1. Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe,

2. kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako,

3. ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!

4. Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira.

5. Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.

6. Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!

7. Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi,

8. asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.

9. Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?

10. Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.

11. Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.

12. Munhu asina maturo uye anoita zvakaipa, anofamba-famba achitaura zvakaora,

13. anochonya nameso ake, anonongedzera netsoka dzake, uye anodudzira neminwe yake,

14. anoronga zvakaipa nounyengeri mumwoyo make, iyeyo anogaromutsa kupesana.

15. Naizvozvo njodzi ichamuwira nokuku-rumidza; achaparadzwa nokukurumidza, pasina chingamubatsira.

16. Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti:

17. meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva,

18. mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa,

19. chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama.

Yambiro pamusoro poUpombwe

20. Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

21. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako.

22. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe.

23. Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,

24. kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.

25. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,

26. nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.

27. Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?

28. Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?

29. Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.

30. Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.

31. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.

32. Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.

33. Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;

34. nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.

35. Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.