Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 6:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako!

4. Usatendera meso ako hope, usatendera meso ako kutsumwaira.

5. Zvipukunyutse, semhara kubva paruoko rwomuvhimi, seshiri kubva paugombe hwomuteyi.

6. Enda kusvosve, iwe simbe; cherechedza nzira dzaro ugova wakachenjera!

7. Harina mutungamiri, mutariri kana mutongi,

8. asi rinochengeta zvokudya zvaro muzhizha, uye rinounganidza zvokudya zvaro pakukohwa.

9. Uchasvika riniko wakarara ipapo, iwe simbe? Uchamuka riniko kubva pahope dzako?

10. Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira zvishomanana, kumbopeta maoko zvishomanana kuti ndizorore.

11. Naizvozvo urombo huchauya kwauri segororo, uye kushayiwa somurwi akashonga nhumbi dzokurwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 6