Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 6:24-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati.

25. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake,

26. nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu.

27. Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here?

28. Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here?

29. Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.

30. Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya.

31. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake.

32. Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.

33. Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;

34. nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.

35. Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 6