Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 28:16-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Mubati anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.

17. Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira.

18. Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.

19. Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.

20. Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.

21. Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu angaita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.

22. Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.

23. Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.

24. Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza.

25. Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 28