Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba.

2. Kana nyika ikapanduka, inova navatungumiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.

3. Mubati anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.

4. Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.

5. Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.

6. Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.

7. Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera, asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.

8. Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro, anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi.

9. Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza.

10. Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.

11. Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora.

12. Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.

13. Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura nokuzvirasa achawana nyasha.

14. Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.

15. Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira, ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.

16. Mubati anoshusha haana njere, asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.

17. Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya, acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa; ngapasava nomunhu anomutsigira.

18. Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka, asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.

19. Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.

20. Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.

21. Kuita rusarura hakuna kunaka, asi kunyange zvakadaro munhu angaita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.

22. Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.

23. Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira, kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.

24. Uyo anobira baba kana mai vake achiti, “Hazvina kuipa,” ndiye shamwari youya anoparadza.

25. Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana, asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.

26. Uyo anovimba nesimba rake ibenzi, asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.

27. Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu, asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.

28. Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda; asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.