Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 21:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.

9. Zviri nani kugara pakona yedenga remba, pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

10. Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa; muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari.

11. Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri; kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo.

12. Iye Akarurama anocherechedza imba yowakaipa, uye anoisa akaipa kukuparadzwa.

13. Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.

14. Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.

15. Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.

16. Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.

17. Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.

18. Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 21