Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura.

2. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari, asi Jehovha anoyera mwoyo.

3. Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.

4. Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi!

5. Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo.

6. Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa.

7. Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure, nokuti vanoramba kuita zvakarurama.

8. Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama.

9. Zviri nani kugara pakona yedenga remba, pano kugara mumba nomudzimai anokakavara.

10. Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa; muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari.

11. Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri; kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo.

12. Iye Akarurama anocherechedza imba yowakaipa, uye anoisa akaipa kukuparadzwa.

13. Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.

14. Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.

15. Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.

16. Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.

17. Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.

18. Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.

19. Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.

20. Mumba mowakachenjera mune zvokudya zvakaisvonaka zvakawanda namafuta, asi benzi rinodya zvose zvarinazvo.

21. Uyo anotevera kururama norudo anowana upenyu, nokubudirira norukudzo.

22. Munhu akachenjera anorwisa guta ravane simba agoputsa nhare dzaro dzavanovimba nadzo.

23. Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi.

24. Munhu anozvikudza uye ana manyawi “Museki” ndiro zita rake; anoita namanyawi uye nokuzvikudza.

25. Kushuva kwesimbe kunova rufu rwake, nokuti maoko ake anoramba kushanda.

26. Muswere wose wezuva anoramba achida zvimwe, asi akarurama anopa asinganyimi.

27. Chibayiro chowakaipa chinonyangadza, zvikuru sei kana akachiuya nacho nomufungo wakaipa!

28. Chapupu chenhema chichaparara, uye ani naani anoteerera kwaari achaparadzwa nokusingaperi.

29. Munhu akaipa ane chiso chisinganyari, asi munhu akarurama anofunga pamusoro penzira dzake.

30. Hapana uchenjeri kana njere kana urongwa hungabudirira huchipikisana naJehovha.

31. Bhiza rinogadzirirwa zuva rokurwa, asi kukunda kunobva kuna Jehovha.