Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 21:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa.

14. Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru.

15. Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa.

16. Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.

17. Uyo anofarira mafaro achava murombo; ani naani anofarira waini namafuta haazombopfumi.

18. Akaipa achava dzikinuro yavakarurama, uye vasina kutendeka vachava dzikinuro yaakatendeka.

19. Zviri nani kugara mugwenga, pano kugara nomudzimai anokakavara uye ane hasha.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 21