Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 16:8-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.

9. Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

10. Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chamwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.

11. Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.

12. Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.

13. Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.

14. Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.

15. Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 16