Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu, asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.

2. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake, asi Jehovha anoyera zvinangwa.

3. Isa kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.

4. Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.

5. Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.

6. Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.

7. Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, anoita kuti kunyange vavengi vake vagarisane naye murugare.

8. Zviri nani kuva nezvishoma mukururama, pane kuva nezvakawanda kwazvo mukusaruramisira.

9. Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake, asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

10. Miromo yamambo inotaura seinotaura chirevo chamwari, uye muromo wake haufaniri kurega kururamisira.

11. Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.

12. Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.

13. Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.

14. Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.

15. Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.

16. Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!

17. Mugwagwa mukuru wavakarurama haupfuuri napane zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.

18. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.

19. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.

20. Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.

21. Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.

22. Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.

23. Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.

24. Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

25. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo anoenda kurufu.

26. Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.

27. Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.

28. Munhu akaipa anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.

29. Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.

30. Uyo anochonya nameso ake ari kuronga zvakaipa; uyo anorumanya miromo yake ari kuda kuita zvakaipa.

31. Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka; inowanikwa noupenyu hwakarurama.

32. Zviri nani kuva munhu ane mwoyo murefu pane kuva murwi, munhu anozvibata pakutsamwa kwake ari nani pane uyo anotapa guta.

33. Mujenya unokandirwa pamakumbo, asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.