Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 16:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Isa kuna Jehovha chose chaunoita, ipapo urongwa hwako huchabudirira.

4. Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo; kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.

5. Jehovha anovenga vose vane mwoyo inozvikudza. Zvirokwazvo, havangaregi kurangwa.

6. Kubudikidza norudo nokutendeka, chivi chinoyananisirwa, kubudikidza nokutya Jehovha munhu anorega kuita zvakaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 16