Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 16:23-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.

24. Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

25. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo anoenda kurufu.

26. Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.

27. Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.

28. Munhu akaipa anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.

29. Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 16