Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 16:12-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.

13. Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.

14. Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.

15. Kana chiso chamambo chichibwinya, zvinoreva upenyu, nyasha dzake dzakaita segore remvura panguva yomunakamwe.

16. Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe, kusarudza njere pane sirivha!

17. Mugwagwa mukuru wavakarurama haupfuuri napane zvakaipa; uye anochengeta nzira yake anochengeta upenyu hwake.

18. Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa.

19. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza.

20. Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.

21. Vakachenjera pamwoyo vanonzi ndivo vanonzvera, uye mashoko akanaka anokurudzira kurayirwa.

22. Njere itsime roupenyu kuna avo vanadzo, asi upenzi hunouyisa kurangwa kumapenzi.

23. Mwoyo womunhu akachenjera unotungamirira muromo wake, uye miromo yake inokurudzira kurayirwa.

24. Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

25. Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi magumo ayo anoenda kurufu.

26. Nzara yomushandi inomushandira; nzara yake inoita kuti arambe achishanda.

27. Munhu asina maturo anoronga zvakaipa, uye matauriro ake akaita somoto unopisa.

28. Munhu akaipa anomutsa kupesana, uye guhwa rinoparadzanisa shamwari dzepedyo.

29. Munhu anoita nechisimba anonyengera muvakidzani wake, uye anomufambisa napanzira isina kunaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 16