Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 16:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Zviyero nezvienzaniso zvechokwadi zvinobva kuna Jehovha; zviyero zvose zviri muhomwe ndiye akazviita.

12. Madzimambo anovenga kuita zvakaipa, nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama.

13. Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.

14. Kutsamwa kwamambo inhume yorufu, asi munhu akachenjera anonyaradza kutsamwa uku.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 16