Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 11:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.

3. Unhu hwakanaka hwavakarurama unovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.

4. Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa, asi kururama kunorwira parufu.

5. Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo, asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo.

6. Kururama kwavakarurama kunovarwira, asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa.

7. Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara; zvose zvaaitarisira kubva pasimba rake zvaparadzwa.

8. Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko, uye rigoenda kuno munhu akaipa panzvimbo yake.

9. Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake, asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka.

10. Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara; vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 11