Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza.

2. Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.

3. Unhu hwakanaka hwavakarurama unovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.

4. Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa, asi kururama kunorwira parufu.

5. Kururama kwavasina chavangapomerwa kunovaruramisira nzira yavo, asi vakaipa vachaparadzwa nezvakaipa zvavo.

6. Kururama kwavakarurama kunovarwira, asi vasina kutendeka vanosungwa nezvishuvo zvavo zvakaipa.

7. Kana munhu akaipa afa, tariro yake yaparara; zvose zvaaitarisira kubva pasimba rake zvaparadzwa.

8. Munhu akarurama anonunurwa kubva mudambudziko, uye rigoenda kuno munhu akaipa panzvimbo yake.

9. Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake, asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka.

10. Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara; vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa.

11. Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama, guta rinosimudzirwa, asi nomuromo womunhu akaipa rinoparadzwa.

12. Munhu anoshayiwa uchenjeri anoseka muvakidzani wake, asi munhu anonzwisisa anodzora rurimi rwake.

13. Guhwa rinoparadza chivimbo, asi munhu akavimbika anochengetedza zvakavanzika.

14. Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara, asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo.

15. Uyo anoisira mumwe rubatso zvirokwazvo achaona nhamo, asi ani naani anoramba kumbundana maoko achiita mhiko achapona.

16. Mukadzi ane mwoyo munyoro achakudzwa, asi varume vane utsinye vachawana pfuma chete.

17. Munhu ane tsitsi anozviitira zvakanaka iye pachake, asi munhu ane utsinye anozviunzira dambudziko.

18. Munhu akaipa anowana mubayiro wokunyegedzera, asi uyo anodyara kururama anokohwa mubayiro wechokwadi.

19. Munhu akarurama zvechokwadi anowana upenyu, asi uyo anotevera zvakaipa anoenda kurufu rwake.

20. Jehovha anovenga vanhu vane mwoyo yakaipa, asi anofarira avo vane nzira dzisina chadzingapomerwa.

21. Zvirokwazvo akaipa acharangwa bedzi, asi vakarurama vachasunungurwa.

22. Sezvakaita mukaro wegoridhe mumhino dzenguruve, ndizvo zvakaitawo mukadzi akanaka pachiso asi asina njere.

23. Chishuvo chowakarurama chinoguma mune zvakanaka chete, asi tariro yowakaipa inogumira mukutsamwirwa.

24. Mumwe munhu anongopa pachena, asi achitowana zvimwe zvakawanda; mumwe anonyima zvaanofanira kupa, asi agova murombo.

25. Munhu anopavhurira achabudirira; uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo.

26. Vanhu vanotuka munhu anounganidza zviyo vamwe vasina, asi mukomborero uchava korona youyo anofarira kutengesa.

27. Uyo anotsvaka zvakanaka achawana nyasha, asi zvakaipa zvinosvika kune uyo anozvitsvaka.

28. Ani naani anovimba noupfumi hwake achawa, asi akarurama achanaka seshizha nyoro.

29. Uyo anouyisa dambudziko kumhuri yake achagara nhaka yemhepo chete, uye benzi richava muranda womunhu akachenjera.

30. Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anodzora mweya yavanhu ndiye akachenjera.

31. Kana vakarurama vachiwana zvakavafanira panyika, ko, kuzoti akaipa nomutadzi!