Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 9:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndichabvisa ropa pamiromo yavo, kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo. Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu uye vachava vatungamiri muJudha, uye Ekironi achava savaJebhusi.

8. Asi ndichadzivirira imba yangu pavarwi vanoirwisa. Hapachazovizve nomumanikidzi angakunda vanhu vangu, nokuti zvino ndiri kugara ndakatarira.

9. Fara kwazvo, iwe Mwanasikana weZioni! Danidzira, Mwanasikana weJerusarema! Tarira, mambo wako anouya kwauri, iye akarurama uye ano ruponeso, anozvininipisa akatasva mbongoro, iyo mhuru, mwana wembongoro.

10. Ndichabvisa ngoro kuna Efuremu, namabhiza ehondo kuJerusarema, uye uta hwehondo huchavhuniwa. Achaparidzira ndudzi rugare. Ushe hwake huchabva kugungwa, huchisvika kugungwa uye kubva kuRwizi kusvika kumigumo yenyika.

11. Kana uriwe, nokuda kweropa resungano yangu newe, ndichasunungura vasungwa vako kubva pagomba risina mvura.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 9