Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 7:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya pakuchema nomwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here?

6. Uye pamaidya nokunwa, makanga musingangozvifadzi here?

7. Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akarikomberedza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’ ”

8. Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti,

9. “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha.

10. Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’

11. “Asi vakaramba kuteerera; mukuzvikudza vakafuratira uye vakadzivira nzeve dzavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 7