Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zefania 1:6-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.

7. Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedyo. Jehovha agadzirira chibayiro; akavaita vatsvene, vaya vaakakoka.

8. Pazuva rechibayiro chaJehovha, ndicharova machinda navanakomana vamambo, navaya vose vakapfeka nguo dzavatorwa.

9. Pazuva iro ndicharova vose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro, vanozadza temberi yavamwari vavo nechisimba nounyengeri.

10. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuchema kuchanzwika kubva kuSuo reHove, kuungudza kubva kuRutivi Rutsva rweguta, nokukoromoka kukuru kubva kuzvikomo.

11. Ungudzai imi munogara munharaunda yomusika, vashambadzi venyu vose vachaparadzwa, vose vanotengesa nesirivha vachaparadzwa.

12. Panguva iyoyo ndichanzvera Jerusarema nomwenje; uye ndicharanga vaya vagere zvavo, vakaita sewaini yakasiyiwa mumasese ayo, vanofunga kuti, ‘Jehovha hapana zvaangaita, zvakanaka kana zvakaipa.’

13. Upfumi hwavo huchapambwa, dzimba dzavo dzichaputswa, vachavaka dzimba, asi havangagari madziri; vachasima minda yemizambiringa, asi havanganwi waini yacho.

14. “Zuva guru raJehvha rava pedyo pedyo, uye riri kuuya nokukurumidza. Teererai! Kuchema pazuva raJehovha kucharwadza, kuchema kwemhere ipapo.

15. Zuva iro richava rokutsamwa, zuva rokudzungaira nokumanikidzwa, zuva rokutambudzika nokuparadzwa, zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nezarima.

16. Zuva rehwamanda nemhere yehondo yokurwisa maguta akakomberedzwa namasvingo, nokurwisa shongwe dzomumakona.

Verenga chitsauko zvakakwana Zefania 1