Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 4:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwokufa kwaEhudhi, vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.

2. Saka Jehovha akavatengesa mumaoko aJabhani, mambo weKenani, aitonga ari muHazori. Mukuru wehondo yake akanga ari Sisera, uyo aigara muHarosheti Hagoyimi.

3. Nokuda kwokuti akanga ane ngoro dzesimbi mazana mapfumbamwe uye akadzvinyirira vaIsraeri zvakaipisisa kwazvo, vakachemera rubatsiro kuna Jehovha.

4. Dhibhora, muprofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, akanga achitungamirira vaIsraeri panguva iyoyo.

5. Aitonga mhaka ari pasi poMuchindwe waDhibhora pakati peRama neBheteri munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vaiuya kwaari kuzotongerwa mhosva dzavo.

6. Iye akatuma shoko kuna Bharaki mwanakomana waAbhinoaomi aibva kuKadheshi muNafutari uye akati kwaari, “Enda undotora zviuru gumi zvavarume veNafutari neveZebhuruni ugovatungamirira kuGomo reTabhori.

7. Ndichakwezva Sisera, mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake uye namauto ake kuRwizi rweKishoni ndigomuisa mumaoko ako.”

8. Bharaki akati kwaari, “Kana imi mukaenda neni, ini ndichaenda; asi kana musingaendi neni, neni handingaendi.”

9. Dhibhora akati, “Zvakanaka hazvo, ndichaenda newe. Asi nokuda kwenzira yauri kuda kuita nayo izvi, kukudzwa hakungavi kwako, nokuti Jehovha achaisa Sisera muruoko rwomukadzi.” Saka Dhibhora akaenda naBharaki kuKadheshi,

10. uko kwaakandodana Zebhuruni naNafutari. Varume zviuru gumi vakamutevera, naDhibhorawo akaenda naye.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 4