Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 20:23-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?” Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.”

24. Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri.

25. Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.

26. Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.

27. Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo,

28. Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?” Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”

29. Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea.

30. Vakakwira kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare.

31. VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea.

32. VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 20