Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 20:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi.

18. VaIsraeri vakakwira kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?” Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.”

19. Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea.

20. Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea.

21. VaBhenjamini vakabuda muGibhea uye vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro.

22. Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga.

23. VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?” Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.”

24. Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri.

25. Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.

26. Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.

27. Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo,

28. Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?” Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 20